Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 56:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ngavasapukunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.

8. Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

9. Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzirai kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.

10. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,

11. muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?

12. Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.

13. Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 56