1. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.
2. Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.
3. Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.
4. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?
5. Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.
6. Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.
7. Ngavasapukunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.
8. Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?
9. Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure pandinodanidzirai kuti ndibatsirwe. Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.