Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 56:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.

2. Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

3. Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.

4. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?

5. Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 56