Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 55:9-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.

10. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.

11. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.

12. Dai ndatukwa nomuvengi, ndaigona kushinga hangu; dai muvengi aindimukira, ndaigona kumuvanda hangu.

13. Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,

14. yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari.

15. Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugaro pakati pavo.

16. Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa.

17. Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.

18. Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 55