4. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.
5. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.
6. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,
7. ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera
8. ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”
9. Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.
10. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.
11. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.