Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 55:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.

5. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.

6. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,

7. ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera

8. ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”

9. Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.

10. Masikati nousiku vanopoterera masvingo aro chinyararire; utsinye nokumanikidza zviri mukati maro.

11. Masimba okuparadza azere muguta; kutyisidzira nenhema hazvibvi munzira dzaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 55