Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 55:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Asi ndiwe, munhu akaita seni, mumwe wangu, shamwari yangu yapedyo,

14. yandaimbofarira kuwadzana nayo pataifamba navazhinji mumba maMwari.

15. Rufu ngaruwane vavengi vangu vasingafungiri; ngavaburukire muguva vari vapenyu, nokuti kuipa kwakawana pokugaro pakati pavo.

16. Asi ini ndinodana kuna Mwari, uye Jehovha anondiponesa.

17. Madekwana, mangwanani namasikati ndinochema mukushushikana, uye iye anonzwa inzwi rangu.

18. Anondidzikinura ndisina kukuvara kubva pahondo inondirwisa, kunyange zvazvo vazhinji vachindipikisa.

19. Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa, Sera ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari.

20. Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake.

21. Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.

22. Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

23. Asi imi, iyemi Mwari, muchaburutsira vakaipa pasi mugomba rokuora; vanhu vanokarira ropa navanyengeri havangararami hafu yamazuva avo. Asi kana ndirini, ndinovimba nemi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 55