Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 53:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka.

2. Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari.

3. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

4. Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here, vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Mwari?

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 53