Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 50:16-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Asi kuna vakaipa, Mwari anoti, “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?

17. Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.

18. Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.

19. Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.

20. Unogara uchipomera hama yako nokuitira mwanakomana wamai vako makuhwa.

21. Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.

22. “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai:

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 50