Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 50:12-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.

13. Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?

14. Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

15. uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

16. Asi kuna vakaipa, Mwari anoti, “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako?

17. Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako.

18. Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako.

19. Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera.

20. Unogara uchipomera hama yako nokuitira mwanakomana wamai vako makuhwa.

21. Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 50