Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 50:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira.

2. Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya.

3. Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza.

4. Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti:

5. “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.”

6. Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera

7. “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu.

8. Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu.

9. Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako,

10. nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru.

11. Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu.

12. Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi.

13. Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here?

14. Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro,

15. uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 50