Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 46:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka, uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3. kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo, uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera

4. Pane rwizi ruripo rune hova dzinofadza guta raMwari, nzvimbo tsvene yoWokumusoro-soro.

5. Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi; Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6. Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka; anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

8. Uyai muone mabasa aJehovha, kuparadza kwaakaita panyika.

9. Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika; anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo, anopisa nhoo nomoto.

10. “Nyararai, uye muzive kuti ndini Mwari; ndichakudzwa pakati pendudzi, ndichasimudzirwa panyika.”

11. Jehovha Wamasimba Ose anesu; Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 46