12. Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.
13. Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.
14. Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.
15. Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.
16. Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose.
17. Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.