Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 45:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Teerera, iwe mwanasikana, rangarira, uye urereke nzeve yako: Kanganwa vanhu vako neimba yababa vako.

11. Mambo ayevedzwa norunako rwako; mukudze, nokuti ndiye Ishe wako.

12. Mwanasikana weTire achauya nechipo, vanhu vakapfuma vachatsvaka nyasha kwauri.

13. Mwanasikana wamambo akanaka kwazvo mukati meimba yake; nguo yake yakarukirirwa negoridhe.

14. Akapfeka nguo dzakashongedzwa achaperekedzwa kuna mambo; shamwari dzake idzo mhandara dzinomutevera uye vanouyiswa kwamuri.

15. Vanoperekedzwa vachapinda nomufaro nokufarisisa; vanopinda mumuzinda wamambo.

16. Vanakomana venyu vachatsiva nzvimbo yamadzibaba enyu; muchavaita machinda panyika yose.

17. Ndichaita kuti kurangarirwa kwenyu kurambe kuripo, kusvikira kumarudzi ose; naizvozvo ndudzi dzichakurumbidzai nokusingaperi-peri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 45