Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 44:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Tinozvirumbidza muna Mwari zuva rose, uye ticharumbidza zita renyu nokusingaperi. Sera

9. Asi zvino matiramba uye matininipisa; hamuchabudi nehondo dzedu.

10. Makaita kuti tidududze pamberi pavavengi vedu, uye vadzivisi vedu vakatipamba.

11. Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12. Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13. Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14. Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.

15. Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16. pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17. Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 44