Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 44:11-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Makatiramwira kumudyi samakwai uye makatiparadzira pakati pendudzi.

12. Makatengesa vanhu venyu pasina, hamuna kuwana kana chinhu pakuvatengesa.

13. Makatiita chiseko kuvavakidzani vedu, chinozvidzwa nechinosekwa chaavo vakatipoteredza.

14. Makatiita tsumo pakati pendudzi; vanhu vanotidzungudzira misoro.

15. Kunyadziswa kwangu kuri pamberi pangu zuva rose, uye chiso changu chafukidzwa nenyadzi

16. pakuseka kwaavo vanondizvidza nokundirwisa, nokuda kwomuvengi, agarira kutsiva.

17. Zvose izvi zvakaitika kwatiri kunyange takanga tisina kukukanganwai, kana kuva vasina kutendeka kusungano yenyu.

18. Mwoyo yedu yakanga isati yafuratira; tsoka dzedu dzakanga dzisati dzatsauka panzira yenyu.

19. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.

20. Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21. Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22. Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.

23. Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24. Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25. Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.

26. Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 44