Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 42:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namapoporodzi akapfuura napamusoro pangu.

8. Masikati, Jehovha anorayira rudo rwake, pausiku rwiyo rwake runeni, munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.

9. Ndinoti kuna Mwari Dombo rangu, “Mandikanganwireiko? Ndinofambireiko ndichichema ndakadzvinyirirwa nomuvengi?”

10. Mapfupa angu atambura nokurwadza kworufu, sezvo vavengi vangu vachindizvidza zuva rose vachiti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”

11. Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 42