Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 42:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai, imi Mwari.

2. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, nyota yaMwari mupenyu. Ndingaenda riniko kundosangana naMwari?

3. Misodzi yangu yanga iri zvokudya zvangu masikati nousiku, asi zuva rose vanhu vanoti kwandiri, “Mwari wako aripiko?”

4. Ndinorangarira zvinhu izvi pandinodurura mweya wangu, mafambiro andaiita navazhinji ndichitungamirira mudungwe wavanhu kuimba yaMwari, nokupembera nomufaro uye nokuvonga pakati pavazhinji pamutambo.

5. Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.

6. Mweya wangu wakaneta mukati mangu; naizvozvo ndichakurangarirai ndiri kunyika yeJorodhani, pamatunhu akakwirira eHeremoni, kubva paGomo reMizari.

7. Pakadzika panodana pakadzika mukutinhira kwamapopopo emvura; mafungu enyu ose namapoporodzi akapfuura napamusoro pangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 42