Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 40:2-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4. Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha chivimbo chake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa.

6. Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva.

7. Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.

8. Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 40