Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 40:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2. Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

4. Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha chivimbo chake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.

5. Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa.

6. Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 40