Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 40:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.

2. Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.

3. Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 40