Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 4:4-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera

5. Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.

6. Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?” Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7. Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8. Ndichavata pasi ndigokotsira norugare, nokuti imi moga, Jehovha, munoita kuti ndigare pakasimba.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 4