Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 4:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu akarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2. Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera

3. Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4. Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; pamunenge muri pamibhedha yenyu, nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera

5. Ipai zvibayiro zvakarurama uye muvimbe naJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 4