Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 38:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano.

8. Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo.

9. Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri.

10. Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu.

11. Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni.

12. Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri.

13. Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo;

14. ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri.

15. Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu.

16. Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.”

17. Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni.

18. Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza.

19. Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 38