1. Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu.
2. Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu.
3. Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu.
4. Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura.
5. Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu.