Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:38-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

38. Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.

39. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.

40. Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37