Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:31-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.

32. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33. asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,

36. asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.

37. Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.

38. Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.

39. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37