Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:29-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.

30. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

31. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.

32. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33. asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

34. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.

35. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,

36. asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.

37. Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.

38. Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.

39. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.

40. Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37