29. vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
30. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.
31. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.
32. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;
33. asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.
34. Rindira Jehovha, uye uchengete nzira yake. Achakusimudzira kuti ugare nhaka yenyika; kana vakaipa voparadzwa, iwe uchazviona.
35. Ndakaona munhu akaipa uye ano utsinye achibudirira somuti munyoro pavhu romunyika yawo,
36. asi nokukurumidza akapfuura uye akasazovapozve; kunyange ndakamutsvaka, haana kuzowanikwa.
37. Cherechedza asina mhosva, ongorora akarurama; ane ramangwana rakanaka munhu worugare.
38. Asi vatadzi vose vachaparadzwa; ramangwana rowakaipa richagurwa.
39. Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
40. Jehovha anovabatsira uye anovanunura; anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa, nokuti vanovanda maari.