Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.

30. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

31. Murayiro waMwari wake uri pamwoyo wake; tsoka dzake hadzitedzemuki.

32. Vakaipa vanovandira vakarurama, vachitsvaka upenyu hwavo chaihwo;

33. asi Jehovha haangavasiyi vari musimba ravo, kana kuvarega vachipomerwa kana vamira pakutongwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37