25. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachisiyiwa, kana vana vavo vachipemha chingwa.
26. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.
27. Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.
28. Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;
29. vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.
30. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.