Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:13-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.

14. Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.

15. Asi minondo yavo ichabaya mwoyo yavo pachavo, uye uta hwavo huchavhunika.

16. Zvishoma zvowakarurama zviri nani kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;

17. nokuti simba ravakaipa richavhuniwa, asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18. Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha, uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.

19. Panguva yenjodzi, havanganyadziswi; mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.

20. Asi vakaipa vachaparara: vavengi vaJehovha vachafanana norunako rweminda, vachanyangarika soutsi.

21. Vakaipa vanokwereta uye havadzori, asi vakarurama vanopa zvakawanda;

22. avo vanoropafadzwa naJehovha vachagara nhaka yenyika, asi avo vanotuka vachaparadzwa.

23. Kana Jehovha achifarira nzira yomunhu, anosimbisa mafambiro ake;

24. kunyange akagumburwa, haangawi, nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.

25. Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachisiyiwa, kana vana vavo vachipemha chingwa.

26. Vanogara vachingopa vamwe, uye vachikweretesa pasina muripo; vana vavo vacharopafadzwa.

27. Dzoka pane zvakaipa ugoita zvakanaka; ipapo uchagara panyika nokusingaperi.

28. Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka. Vachadzivirirwa nokusingaperi; asi vana vowakaipa vachaparadzwa;

29. vakarurama vachagara nhaka yenyika uye vachagara mairi nokusingaperi.

30. Muromo womunhu akarurama unotaura uchenjeri, uye rurimi rwake runotaura kururamisira.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37