1. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;
2. nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.
3. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
4. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
5. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;