Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;

2. nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.

3. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.

4. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37