Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 37:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Usava neshungu nokuda kwavanhu vakaipa, uye usaitira godo avo vanoita zvakaipa;

2. nokuti souswa vachaoma nokukurumidza, somuriwo wakasvibira vachakurumidza kuoma.

3. Vimba naJehovha uite zvakanaka; gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.

4. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

6. achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

7. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

8. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.

9. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10. Chinguva chidukuduku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.

11. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.

12. Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.

13. Asi Ishe anoseka vakaipa nokuti anoziva kuti zuva ravo riri kuuya.

14. Vakaipa vanovhomora munondo uye vanowembura uta kuti vawisire pasi varombo navanoshayiwa, kuti vauraye avo vane nzira dzakarurama.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 37