Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 35:7-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,

8. kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.

9. Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.

10. Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.”

11. Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi.

12. Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira.

13. Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro,

14. ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.

15. Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.

16. Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.

17. Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.

18. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19. Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.

20. Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 35