Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 35:14-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.

15. Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.

16. Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.

17. Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.

18. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.

19. Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.

20. Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika.

21. Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.”

22. Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe.

23. Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu.

24. Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu.

25. Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.”

26. Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa.

27. Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.”

28. Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 35