Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 35:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa.

2. Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire.

3. Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.”

4. Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya.

5. Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure;

6. nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera.

7. Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,

8. kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.

9. Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 35