Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 33:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.

8. Nyika yose ngaitye Jehovha; marudzi ose enyika ngaamuremekedze.

9. Nokuti iye akataura, zvikaitika; akarayira, zvikamira zvakasimba.

10. Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi; anopinganidza mifungo yendudzi.

11. Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi, nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kumarudzi namarudzi.

12. Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.

13. Jehovha anotarira pasi ari kudenga uye anoona marudzi ose avanhu;

14. ari pachigaro chake anotarira vose vagere panyika,

15. iye akaumba mwoyo yavose, anofungisisa zvose zvavanoita.

16. Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake; hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.

17. Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa; harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.

18. Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,

19. kuti avarwire parufu nokuvararamisa panzara.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 33