Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 33:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama; zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.

2. Rumbidzai Jehovha nembira; muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.

3. Muimbirei rwiyo rutsva; muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.

4. Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi; iye akatendeka pane zvose zvaanoita.

5. Jehovha anoda kururama nokururamisira; nyika izere norudo rwake rusingaperi.

6. Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzoko, nokufema kwomuromo wake.

7. Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo; anoisa kwakadzika mumatura.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 33