Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 31:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.

7. Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.

8. Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9. Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.

10. Upenyu hwangu hwopera nokurwadziwa, uye namakore angu nokugomera; simba rangu rapera nokuda kwokutambudzika kwangu, uye mapfupa angu arukutika.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 31