Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 31:13-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. nokuti ndinonzwa guhwa ravazhinji; kumativi ose kune zvinotyisa; vanorangana pamusoro pangu uye vanoronga kundiuraya.

14. Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi Mwari wangu.”

15. Nguva dzangu dziri mumaoko enyu; ndirwirei kuvavengi vangu nokuna avo vanonditeverera.

16. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu; ndiponesei norudo rwenyu rusingaperi.

17. Haiwa Jehovha, itai kuti ndisanyadziswa, nokuti ndakadana kwamuri; asi vakaipa ngavanyadziswe uye vavate vakati mwiro muguva.

18. Miromo yavo inoreva nhema ngainyaradzwe, nokuti vanotaura namanyawi nokuzvikudza pamusoro pavakarurama.

19. Haiwa, kunaka kwenyu kukuru sei, kwamakachengetera vaya vanokutyai, kwamunoisa pamberi pavanhu, pamusoro paivo vanovanda mamuri.

20. Mudumba pamberi penyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera.

21. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akaratidza rudo rwake runoshamisa kwandiri pandakanga ndiri muguta rakakombwa.

22. Mukuvhunduka kwangu, ndakati, “Ndabviswa pamberi penyu!” Asi makanzwa kuchemera nyasha kwangu pandakadanidzira kwamuri ndichida rubatsiro.

23. Idai Jehovha, imi vatsvene mose! Jehovha anochengetedza vakatendeka, asi anotsiva zvizere vanozvikudza.

24. Simbai uye mutsunge mwoyo, imi mose munorindira Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 31