Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 31:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu.

2. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.

3. Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.

4. Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.

5. Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.

6. Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.

7. Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.

8. Hamuna kundiisa kumuvengi, asi makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9. Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni nokuti ndine nhamo; meso angu aneta nokuchema, mwoyo wangu nomuviri wangu zvarwadziwa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 31