Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 31:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinovanda mamuri, imi Jehovha; itai kuti ndisatombonyadziswa; ndirwirei mukururama kwenyu.

2. Rerekerai nzeve yenyu kwandiri, kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rokuvanda, nhare yakasimba inondiponesa.

3. Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu, nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.

4. Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 31