Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 30:5-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.

6. Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”

7. Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.

8. Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

9. “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?

10. Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

11. Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba; makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

12. kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 30