2. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa.
3. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.
4. Imbirai Jehovha imi vatsvene vake; rumbidza zita rake dzvene.
5. Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku, asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose; kuchema kungangovapo usiku. Asi mufaro unouya mangwanani.
6. Pandakanzwa kugadzikana, ndakati, “Handingatongozungunuswi.”
7. Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi, makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba; asi pamakavanza chiso chenyu, ini ndakavhunduka.
8. Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,
9. “Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu, napakupinda kwangu mugomba? Ko, guruva richakurumbidzai here? Richaparidza kutendeka kwenyu here?
10. Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni; imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”