Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 28:3-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

4. Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5. Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.

6. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.

8. Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

9. Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu; ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 28