Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 28:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.

2. Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kunzvimbo yenyu Tsvenetsvene.

3. Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

4. Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5. Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve.

6. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 28