Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 27:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu, ndichagotya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu, ndianiko wandingatya?

2. Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri kuzodya nyama yangu, vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa, vanogumburwa ndokuwa.

3. Kunyange hondo ikandikomba, mwoyo wangu haungazotyi; kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa, ipapo ndichavimba naJehovha.

4. Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha, ndicho chandinotsvaka: kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti nditarire kunaka kwaJehovha uye ndimutsvake mutemberi yake.

5. Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retabhenakeri yake, agondikwidza pamusoro pedombo.

6. Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pavavengi vakandipoteredza; ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru; ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.

7. Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha; ndinzwirei ngoni mugondipindura.

8. Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

9. Regai kundivanzira chiso chenyu, musadzinga muranda wenyu mukutsamwa; makanga muri mubatsiri wangu. Regai kundiramba kana kundisiya, imi Mwari Muponesi wangu.

10. Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya, Jehovha achandigamuchira.

11. Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha; ndisesedzei munzira yakarurama nokuda kwavamanikidzi vangu.

12. Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira, vachifemedzeka nehasha.

13. Ndichine chokwadi neizvi zvokuti: ndichaona kunaka kwaJehovha munyika yavapenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 27