Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 25:6-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo, nokuti zvakabvira kare.

7. Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu, nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo; ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu, nokuti makanaka, imi Jehovha.

8. Jehovha akanaka uye akarurama; naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.

9. Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama, uye anovadzidzisa nzira yake.

10. Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka, kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.

11. Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha, kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.

12. Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha? Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.

13. Achararama upenyu hwake mukubudirira, uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.

14. Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.

15. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.

16. Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.

17. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 25