Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 25:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.

18. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.

19. Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!

20. Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.

21. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.

22. Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 25