15. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.
16. Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.
17. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.
18. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.
19. Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!
20. Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.
21. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.
22. Dzikinurai Israeri, imi Mwari, kuti vabve mumatambudziko avo ose!