Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 25:14-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Jehovha anogara pakati pavanomutya; anozivisa sungano yake kwavari.

15. Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha, nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.

16. Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha, nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.

17. Matambudziko omwoyo wangu awanda; ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.

18. Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu, mugobvisa zvivi zvangu zvose.

19. Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu, uye kuti vanondivenga zvakakura sei!

20. Rindai upenyu hwangu mugondinunura; ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovanda mamuri.

21. Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 25